
OUR STORY
Charindapanze, teteguru wedu aive murume akabva kumatunhu eku Mandhave ( Mount Darwin Area). Aive Mukorekore aiyera mutupo weNzou chidawo chake chiri Samanyanga. Akasvika munyika yeMhondoro mudunhu rashe Nyamweda, akasvikogara mumusha waSabhuku Shirichena. Charindapanze aive nemumwe wake ainzi Dunduza. Dunduza anenge akanga ari mwana wemukoma waCharindapanze akasara kwavakabva. Nguva iyi yaive yekumakore ekuma1870, kana tichitorera kubva kumakore evazukuru vake uye tichiverenga tichidzokera shure. Varume vaviri ava vanenga vakange vaine hunyanzvi hwekuuraya nzou, zvinova zvinhu zvaiyemurwa zvikuru nevene venzvimbo. Nekudaro Charindapanze akapfimba mwanasikana waShirichena ndokubva amuroora. Hukama wakabva hwatanga, akave mukuwasha wemaShirichena.
Muwanano iyi makazvarwa dangwe remwanakomana rainzi Masengu. Masengu ndokutevedzerwa naKunze, ndokuzouya Manyukwi. Maponga ndiye akaita gotwe raCharindapanze, asi aive naamai vake ari ega, vaiva Mutwa. Amai ava havana kugarikika savamwe zvekuti vabva nemwana wavo kudzokera kumusha kwavo kwaChihota. Maponga akakura kuita mururme chaiye ariko kusvika atozoteverwa nemukoma wake Manyukwi kunomutora. Amai vake vaMutwa vakazoroorwa kuMhondoro yekumhiri kwaMupfure. Vakasvikozvara vana vaviri vanoti Chari naJanhi, vaitombo shanyira mukoma wavo Maponga kwaNyamweda.
​
Uyu Dunduza zvakazongoitika kuti Chibharo chauya ndokubva asarudzwa kuti aende. Varipakushada vachigadzira njanji yechitima, Dunduza anonzi akaregererwa simbi nevamwe ndokubva yamutema ndokumutsitsirira ndokubva afa. Zvakasiririsa zvikuru kuhama dzake kunyaya vana sabhuku Shirichena nokuti ndivo vakanga vamusarudza kuti aende kuchibharo nokudaro vakafunda zvokuripira Charindapanze mwana wake. Vakatora mwanasikana wavo ndokupa kunaCharindapanze, uyo akabva atambira mhandara iyi, ndokupa kumwana wake Kunze, akava mudzimai wake wekutanga. Kunze akaita vana vaviri nemukadzi uyu, musikana nemukomana, ndivo Dambudzo na Pauros. Mukadzi uyu akazobva pana Kunze ndokunoroorwawo kumwe. Uyuwo murume Kunze achizotorawo mumwe mukadzi, amai vaana Moffat, Jonah naHannah, vaive vekwaMutukwa.
​
Iyi ndiyo nhorondo yekuuya kwezitateguru Charindapanze richibva kumaKorekore kuuya kumazezuru kwaNyamweda. Chikonzero chekuuya hachina kujeka asi kunenge kwaiita sekutiza musha nezvikonzero. Hondo here, hushe here, kusawirirana here, hazvina kubuda pachena. Asi hapana kubvira kwaita kushanyirana nevekumusha kwavakabva vanhu ava, Charindapanze naDunduza. Saka tirikungotarisana nedzinde raCharindapanze, rakatanga nevanakomana vake vana (4) pasina musikana:
​
Charindapanze
Masengu Kunze Manyukwi Maponga